Genesis 9

Sungano yaMwari naNoa

1Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika. 2Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai uye dzichakuvhundukai; zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa, zvakapiwa mumaoko enyu. 3Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.

4“Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi. 5Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake.

6“Ani naani anoteura ropa romunhu,
ropa rake richateurwawo nomunhu;
nokuti nomufananidzo waMwari,
Mwari akaita munhu.
7Kana murimi, berekanai muwande; muwande panyika uye muwande kwazvo pamusoro payo.”

8Ipapo Mwari akati kuna Noa navanakomana vaaiva navo, 9“Zvino ndava kusimbisa sungano yangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera, 10uye nezvisikwa zvipenyu zvose zvakanga zvinewe, shiri, zvipfuwo nemhuka dzose dzesango, dzose dziya dzakabuda newe muareka, zvisikwa zvipenyu zvose zviri panyika. 11Ndiri kusimbisa sungano yangu newe: Zvipenyu zvose hazvichatongoparadzwizve nemvura yamafashamu; hakuchatongovizve namafashamu okuti aparadze nyika.”

12Uye Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita pakati pangu nemi nezvisikwa zvose zvipenyu zvinemi, sungano yamarudzi ose ari kuzouya: 13Ndaisa muraravungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika. 14Pose pandinouyisa makore pamusoro penyika, uye muraravungu ukaonekwa mumakore, 15ndicharangarira sungano yangu pakati pangu nemi nezvisikwa zvipenyu zvose zvamarudzi ose. Mvura haingatongoitizve mafashamu kuti iparadze zvipenyu zvose. 16Pose panoonekwa muraravungu mumakore, ndichaona ndigorangarira sungano yangu isingaperi pakati paMwari nezvisikwa zvipenyu zvose zvemhando dzose panyika.”

17Saka Mwari akati kuna Noa, “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandakasimbisa pakati pangu nezvipenyu zvose zviri panyika.”

Vanakomana vaNoa

18Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu naJafeti. (Hamu akanga ari baba vaKenani.) 19Ava ndivo vakanga vari vanakomana vatatu vaNoa, uye kwavari ndiko kwakabva vanhu vakapararira pamusoro penyika.

20Noa akava murimi, akarima munda wamazambiringa. 21Akati anwa imwe yewaini yawo, akadhakwa uye akavata akashama mutende rake. 22Hamu, baba vaKenani, akaona kusasimira kwababa vake akaudza mukoma wake nomununʼuna vake vaiva panze. 23Asi Shemu naJafeti vakatora nguo vakayiisa pamapfudzi avo; ipapo vakafamba nenhendashure vakafukidza baba vavo pakusasimira kwavo. Zviso zvavo zvakanga zvakatarisa parutivi kuitira kuti varege kuona kusasimira kwababa vavo.

24Noa akati amuka kubva pawaini yake uye akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku, 25akati,

“Kenani ngaatukwe!
Achava muranda wavaranda kuvakuru vake.”
26Akatiwo,

“Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu!
Kenani ngaave muranda waShemu.
27Mwari ngaakurise nyika yaJafeti;
Jafeti ngaagare mumatende aShemu,
uye Kenani ngaave muranda wake.”
28Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu. 29Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.

Copyright information for SnaBDSC